Hosea 12

1Efuremu anodya mhepo;
anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose
uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba.
Anoita sungano neAsiria,
uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.
2Jehovha ane mhaka yaanopa Judha;
acharanga Jakobho maererano nenzira dzake
uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.
3Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake;
somunhu akaita mutsimba naMwari.
4Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira;
akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye.
Akamuwana paBheteri
akataura naye ipapo,
5Jehovha Mwari Wamasimba Ose,
Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!
6Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako;
chengetedza rudo nokururamisira,
uye umirire Mwari wako nguva dzose.
7Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera;
anofarira kubiridzira.
8Efuremu anozvikudza achiti,
“Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye.
Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri
chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”

9“Ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva muIjipiti;
ndichakugarisazve mumatende,
sapamazuva emitambo yakatarwa.
10Ndakataura kuvaprofita,
ndikavapa zviratidzo zvizhinji
uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

11Ko, Gireadhi yakaipa here?
Vanhu vayo havana maturo!
Vanobayira nzombe here paGirigari?
Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo
mumunda wakarimwa.
12Jakobho akatizira kunyika yeAramu;
Israeri akashandira kuti awane mukadzi,
uye kuti amuwane akafudza makwai.
13Jehovha akashandisa muprofita
kuti abudise Israeri kubva muIjipiti,
nomuprofita akavachengeta.
14Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa;
Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa
uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.
Copyright information for SnaBDSC